Saturday 17 April 2021

MAFAMBIRO NENGUVA YEKUROPAFADZVA YAKASIYANA


 

Ndinokukwazisai muzita raMambo Jesu! Rugare mhuri yekutenda! Herino shoko retariro panguva yakadai! Regai nditi muhupenyu vanhu takasiyana masikirwo edu, nemaropafadziro edu. Kune vamwe manogwesha, vamwe vanokambaira, vamwe vachifamba, kozoita vanomhanya, nevanomanyisa, nekubhururuka.  Asi vose vanhu ava vanopedzisira vasvika kwavanofanira kuyenda. Ndizvo zvinoita hupenyu hatisviki kwatinoda tose nguva imwe chete. Umwe ne umwe, anemaitiro ake nemafambiro ake,  achamusvitsa kwaanoenda. Kunonoka hakutadzisi kuti usvike kwaunoda kuyenda, uchasvika pakasvika vamwe, huye uchaitirwavo zvakaitirwa vamwe, nekunguva yako yawakasikirwa naMwari. Musango mhuka dzinonwa mvura panzvimbo imwe chete, asi hadzisviki pamwechete. Chikamba, mbeva, tsuro, gudo, mhara, mhofu, nyati, shumba  , nzou nezvimwe zvakasiyanasiyana, zvino famba nokurarama zvakasiyanasiyana, asi zvose zvinorarama nekufamba kwakasiyana. Ndizvovo nehupenyu hwemunhu, umwe neumwe, takasiyana kuropafadzva kwedu, huye nenguva yekuropafadzva. Kana uchigwesha, gwesha, kana uchikambaira, kambaira, kana uchifamba, famba, kana uchimhanya, mhanya, kana uchimhanyisa, mhanyisa, asi mhedzisiro uchasvika chete paunofanira kusvika. Mirira nguva YAKO, nemafambiro ako, zvichaita chete, nezita raJesu-Amen. Rangarira kuti chinhu chimwe nechimwe chinenguva yacho...! ( Muparidzi/ Ecclesiastes 3:1) Zvako zvichaitavo nenguva yako yakwana. Huye vanomirira Jehovah, vanopiwa simba.(Isaya/ Isaiah 40:31) Ramba wakashinga, zvako zvichaita chete, nezita raJesu-Amen!

Ramba wakamira, wakadzvanya pakutenda, uchasvika chete nezita raJesu-Amen,( Vahebheru/ Hebrews 11:6) 

Ndini wenyu muna Kiristu 

Muvhangeri Fanuel Masikati

Cell:263778495363

Email:divinerevelations7@gmail.com

No comments:

Post a Comment