Tuesday 31 March 2020

GEZA UGOZIVA UGOZIVA ZVEKUZORA NEKUPFEKA UGOWANIRWA NYASHA






Rugare mhuri yokutenda! Herinoyi shoko ranhasi! Ndinovimba murikukomborerwa neshoko zuva nezuva, ratino shumira kwamuri. Musoro wemharidzo unoti: " GEZA UGOZIVA ZVEKUZORA NEKUPFEKA UGOWANIRWA NYASHA"

Bhaibheri rinoti, " Zvino chizvishambidza, uzore mafuta, ufuke nguvo dzako, ndokuburukira kubudiriro, asi usazviratidza kumurume uyo, kusvikira apedza kudya nekunwa." ( Rute/ Ruth 3:3) Hama vadikamwi regai nditaure kuti kune zvimwe zvinhu zvinoda kugezerwa, kuti zviitike. Vamwene va Rute( Ruth) vakaziva kuti rugare rupinde mumba mavo kunyangwe ivo vakanga vava chirikadzi, vakatsiura nekuraira murovora wavo kuti azvibate kuitira kuti awanirwe nyasha dzokuti agowana aizomuchengeta, nekumuriritira. Vashomane kwazvo vana amwene vazuva ano vanogona kutaura zvinhu zvino vaka mhuri nemuroora wavo. Dzidzaivo rudo rwaiva pakati pa Naomi na Rute mhani! Uru rudo runodadisa, huye runovaka mhuri. Ndiye Rute uya,  watinozoona ava murudzi rwe Shumba yaDavhidha Jesu, Luna Mateo.  Zvakakonzeresva nerudo rwaiva pakati pa Naomi nemuroora wavo Rute. Iwe, rega ndikutaurire kuti mafuta (perfume) zvinodiwavo, kuti uvonekere, nekutarirwa panavamwe. Kana nyasha dzakushanyira zvinonzi hazviitke zvinoitika. Huye nhumbi dzakanaka dzinongodiwavo kuti uratidzeke zvakanaka pane vamwe. Rega kungoti chero chawapfeka mhani, uchishanya kana kushanyirwa. Ziva zvokupfeka, nekuzora kuti nyasha dzikutevere mhani! Ziva kokutizira kuti upone! Ziva Jesu!  Huyezve, zivavo nenguva dzekushanya nedzisinga shanyirwi. Rute akavudzva nguva dzokushanyira Bhowazi, uyo akazova murume wake, vakapedzisira vatogara vose muimba yehumambo.  Rangarira kuti Rute aiva mutorwa muMaobhi, asi wakawana nyasha nerudo murudzi rwehumambo. Nokuti kuna Mwari hakuna chinokona. NaJesu tinotenda kure. Nyangwe  iwe chaiye, unogona kugowanirwa nyasha, ukaziva zvokunhonga, nenguva dzekushanya. Rute aito nhonga zvake misaririrwa pavaikohwa zviyo, asinga zive kuti waizopedzisira atonhongavo murume waizomuroora. Kkkk Pangava pabasa paunoshanda, kana kushanya, ziva zvokupfeka nekuzora, kuti uwane basa kana murume. Nyangwe urimukomana kana murume, ziva zvokupfeka nekuzora kuti udiwevo nekufarirwa, huye nekuti ubudirire muhupenyu. Kumeso kwako usapfeka tsamwa, kana hasha, nekuti unokonzeresa kuti vanhu vakutize. Imbosekavo nekufara navamwe, kwete kungoti kwindi, nguva dzose( Ruth/ 3 :3-18, Ruth 4, 1 John 4:7-21, Proverbs 3:5-6) Ukashevedzva kuti imwi sisi kana bhudhi, usangotanga nekutsamwa kana kuchinja kumeso seShumba kana mbada, taura zvinyoronyoro  zvinetsika, hauzivi panotangira nyasha dzako. Unoziva here kuti kana ukapfuura panevanhu wakachena nekuzora mafuta anonhuwirira, vanocheuka nekukutarisavo.  Regai ndipedzisezve ndichiti, ziva wokuchemera, nekutamba naye, kuti zvako zvigonaka. Tizira kuna Jesu.( Mateo/ Matthew 11:28-30) Tamba nevane hanya nehupenyu hwako. Huyezve ziva kugeza zvakanaka, ne zvokupfeka zvinovonekwavo, nekuzora zvinonhuwirira, panevamwe. Kkkkk! Nyasha ngadziwande  kwamuri muzita raJesu-Amen! Mweya mutsvene ngavatore chinzvimbo chavo  nezita raJesu-Amen!

 Muropafadzve muzita raJesu- Amen                    

Evangelist Fanuel Masikati
Email:divinerevelations7@gmail.com
Cell:263778495363




 

No comments:

Post a Comment